Munhu yeuka
Iwe munhu,
Yeuka uri munhu, chisikwa zvacho,
Chisikwa chakasikwa neni Musiki Chisakasikwa,
Uri ivhu zvaro iroro rawakatotsika.
Mweya kufema ndini ndinotofemera,
Kutora wangu mweya tuku watova churu.
Iwe munhu,
Chiregoita hanganwa dzegunguo kutokanganwa zvauri.
Hanganwa dzokukanganwa zvauri kufarisa.
Mudzimu weshiri uri mudendere wena.
Yeuka uri munhu uzive mviromviro.
Uri chisikwa ini Musiki chandakatosika,
Chandakasika kubva pasina, ndatoda.
Baba namai hongu vabereki vakakubereka,
Kuda uchazovavo mubereki achaberekesa.
Igaroziva kubereka hakusi kusika.
Iwe munhu,
Yeuka uri munhu iwe.
Chiregotsindira bako ichiri kunaya.
Uchazoda bako rokuvanda ugorishaya.
Iwe chiregoita ruya rugare rwenda,
Inda dununu inoruma akaitakura.
Kundiruma ini paya chava kuramba kukutakura,
Chako chokuruma chiya unozochishaya.
Munhu iwe,
Yeuka uri munhu.
Kudada noumunhu kudada nechokupiwa.
Chako dzikama ukudzeni Nyakupa umunhu.
Dzikama zvako ubve wati tyo.
Kotama ukotamire akakusika Musiki.
Pfugamira Musiki ubate pasi nehuma.
Nzeve zarura zvandinokuraira unzwe.
Zvandinokuraira wanzwa nomazvo uzviite.
Ukazviita ungava munhu chaiye.
Kuva munhu chaiye kuziva Musiki wako,
Waziva Musiki chimuda nokumuitira.
Munhu iwe, iwe, yeuka uri munhu.


