Wadzanai
Wakumbirwa regerero iwe chiregerera.
Gozho nachin’ai zvatosvorana chotevera kuwadzana.
Ndizvo vaviri vapokana vagogarisana.
Mutadzi akumbira regerero ndihwo hunonzi hunhu.
Mutadzirwi kuregerera mutadzi ndiye anonzi munhu.
Wakumbirwa regerero iwe chiregerera.
Imvura regerero inodzima moto wechigumbu.
Kamoto kamberevere kanozopisa matanda mberi.
Kutsva kwamatanda kudambuka kwoukama nousahwira.
Kutsva kwamatanda poteuka ropa risingafaniri kuteuka.
Wakumbirwa regerero iwe chiregerera.
Wenyama anotadzirwa achitadziravo wenyama.
Watadzirwa regerera ugoregererwavo paunotadza.
Rutsva runovira nokuona rumwe.
Tose tikati haivhiyiwi mhedzisiro kuvhiyana pachedu.
Tsvaru anodana tivhu, wanzi tsvaru rego tivhura.
Kutsiva ziso neziso kunotisiya tose tava mapofu.
Wakumbirwa regerero chiregoendesa gama.
Mhosva haitongwi nokurwa, wadzanai.
Kuzoti potsi haarwirwi tinorwira piri,
Paya panorwiwa regerero yatoshaikwa.
Regerera kanomwe kakapetwa makumimanomwe.
Ndiko kuregerera kasingaverengeki.
Nyakutemwa nyangotemwa nerakagomara,
Kukumbirwa kana kusakumbirwa regerero,
Regerero chipakura isina mutengo.
Mvura bvongodzeki inenge yatogarana.
Watadza mutadzi kumbira regerero.
Chinokanganwa idemo muti watemwa haukanganwi.
Demo watema chiregokanganwa atemwa arwadziwa.
Watema wawatema kukumbira regerero chikurumidza.
Kupiwa regerero kana kunyimwa, kumbira.
Kuvengana zvakuripo hakupi nyaya,
Nyama inodyiwa yaswera pachoto.
Nharo dzinoparira muviri maronda.
Kugara hunzwana muchechetere mvura yeguvi.
Ndokunge takumbirana nokupana regerero.


