Masvingo – Chechi yeRoman Catholic iyo yakamboburitsa pachena kushushikana kwayo pamusoro pekuderera kwekodzero dzevanhu muZimbabwe, kudzikira kwenzvimbo yeutongo hwejekerere pamwe nekushaikwa kweruramisiro zvichikonzerwa neConstitutional Amendment Number 3 (CAB3), yatanga Novena kuMoyo Musande waMariya umo maKatorike achaita minamato kwemazuva mapfumbamwe kubva musi wa31 Chivabvu kusvika 8 Chikumi 2026.
Machechi ose muZimbabwe, kunze kweaya anonzi ari kugamuchira mari kubva kuZanu PF kuburikidza nevamiririri vayo, akashora CAB3 uye akati Hurumende ngaimise hurongwa uhwu kana kuti iende kureferendamu kuti vanhu vazviratidze maonero avo.
Misoro yeminamato yemazuva mapfumbamwe aya yakaverengwa mumisa dzose dzeRoman Catholic dzakaitwa munyika yose nezuro. Chechi ichanamatirawo kuti musangano weZimbabwe Catholic Bishops’ Conference Plenary Meeting uchaitwa kubva musi wa8 kusvika 9 Chikumi 2026 ubudirire.
Munguva yemazuva mapfumbamwe aya, Chechi ichanamatira kuremekedzwa kwehunhu hwevanhu uye kuti vanhu varege kubatwa unhapwa nekutyityidzirwa huye kufadzwa nekupiwa twunhu tusina basa twakaita sechicken Inn.
Minamato iyi ine misoro wezuva rimwe nerimwe kusvika mazuva mapfumbamwe akwana. Mumwe munamato ndewe kurwisa huwori hwakatekeshera Zimbabwe yose. Chechi iri kukumbiravo Mai Mariya kuti anamatire nyika kuitira kuti vakuru vakuru vasashandisa zvigaro zvehurumende kuzvifumisa pachavo. Church inonamatazve kuti vatungamiriri vateererevo pfungwa dzevanhu paCAB3 huye vasangoona sekuti zvavanoda ivo ndizvo zvakanaka
“Vanoyera Mai Mariya vandudzai nyika yedu kubva mumatambudziko airi kutarisana nawo……. Itai kuti vanhu vayo vasarase kodzero dzavo nekutyityidzirwa……. Itai kuti pakutaurirana nyaya dzakakosha mhuri yeZimbabwe iite izvi pajekerere huye murunyararo………. Itai kuti vatungamiriri vaite zvegutsa ruzhinji kwete kusevenzesa matura enyika kuzvibatsira ivo pachavo……. Itai kuti vatungamiriri vasazvidza vanhu, vabate vanhu zvine hunhu. Itai kuti vakuru vasabate pfungwa nemoyo yevanhu nekuvatyityidzira huye mukuvapa tunhu tusina maturo. Vatungamiriri ngavaite mashandire eMwanakomana ekusevenzera vanhu, kwete kuti vatungamiriri vasevenzerwe nevanhu.
Chechi yeKatorike inotenda kuti Mariya Mutsvene anomiririra vatendi kuna Mwari, saka munguva iyi yemazuva mapfumbamwe ichange ichikumbira kuna Mwari kuburikidza naamai vaJesu panyaya dziri kunetsa Zimbabwe. Chechi iri kukumbirawo Mariya kuti abatsire kuti vatungamiriri vasaita mukonyo kuvanhu, vatungamiri vadzivirire vasina simba nevari munjodzi. Munguva yemazuva mapfumbamwe aya, maKatorike achanamatirawo kuti vatungamiri varege kushandisa kutya sechombo chekudzora vanhu.


