Rino pasi rose hapana murombo.
Tose vanhu iwe neni tiri shoroma.
Vakasika nyika Musiki izere upfumi,
Miti, uswa, mvura nezvirimwa zvinodyiwa,
Mhuka, hove, shiri nezvipukanana,
Makomo, ivhu nezvicherwa jahwi.
Chipavhurire vakati mose muri angu mapudzi,
Upfumi uhwo idyai mose muchiguta.
Nyarudo Chisakasarura wavakasarura hapana.
Rusarura rwakazouya nesu vana Sarudzai.
Norwedu rusarura nhasi vamwe vokwangwaya.
Nyarudo Chisakanyima wavakanyima hapana.
Nokwedu vanaNyimai kunyima urombo hwotekeshera.
Nyarudo Chipavhurire vakapavhura tose tigute
Nohwedu undingoveni vana Ndiguteni,
Vamwe vava zvigananda zvosunda matumbu setsambarafuta nokugutisa.
Vamwe vari vanamusvuuganda v odya nhoko dzezvironda.
Nhasi hupfumi hwozara. mumaoko avashomashoma.
Vazhinji saRazaro vachidya zvinodonha patafura dzavapfumi.
Apa zvose zvatakapiwa naBaba Musikavanhu,
Zvichikwana tose kuguta nokutosiya.
Urombo kunyimana zvatakapiwa tose naNyakupa,
Vachiti savana vemhuri imwe tigoverane.
Pasawana nomumwe zvake anoti handina.
Pindirai Nyarudo mubvise mwoyo wedombo
Mugotipa mwoyo werudo tose tidanane.
Ndizvo tigogoverana upfumi hwamakatipa murudo.
Pashaikwe mumwe zvake anganzi murombo.


